
G9 G-Rap Life Story
g9· 3:54 · 0 plays · v3-preview
Lyrics
Intro
YEAH G9 mmmmmm G9
Geee geee geee G9
Hook
Hupenyu hwakatosiyana
Tinosangana nezvakasiyana
Mukoma Joze vane mababy akasiyana
Mai nababa vakarambana vakasiyana
Sisi Brenda vakabvisa nhumbu
Mukwasha wacho akaroora murungu
Chorus
Ndozvakatoitika zvakavharana zviriko
Apachisina zvekuita zvakaendwa zviriko
Tangosara nekuchema nemarwadzo asi takadzidza kuti zviriko
Ndikaudza mufundisi vanongoti nyarara mwanangu zviriko
Denga rinokunyaradza mwanangu zviriko
Verse 1
Babe rakayenda nema blesser
Hanzi chisara wega anty ahudi kugeza
Hanzvadzi yapedzwa nema gangsters
Muviri kuita kunge unema injectors
Zvarema makuita hupombwe nema doctors muripa softaz
Mdhara vakuhurira kujoza
Nguva yareba takavamirira tichiti vachadzoka
Gore rinopera baba havafoni
Hanzi musatye vanangu ndukungwavha zvoita chete hazvikoni
Mbuya kumusha BP neSugar zvakakwira
Shuwa kuyenda mhiri uchitiza mhuri
Wakaramba mukadzi wataiti ndiye muyamuri
Tinongochema kunamwari tichiti mitoro yedu tinoipa kwamuri
Chorus
Ndozvakatoitika zvakavharana zviriko
Apachisina zvekuita zvakaendwa zviriko
Tangosara nekuchema nemarwadzo asi takadzidza kuti zviriko
Ndikaudza mufundisi vanongoti nyarara mwanangu zviriko
Denga rinokunyaradza mwanangu zviriko
Verse 2
Mai avachabve kubhawa
Zvinondirwadza pandinozvifunga every hour
Ndikavaona ndinopera power
Dai vakaroorwa vabhanda zvaive nani
Ndikazvifunga ndotomboti pamwe mafunny
Mai vakugara vakadhakwa kunge rombe
Better havo baba avana kupedzisa kubvisa mombe
Vaizoridii rombe rine mombe
Hapana ari nani vese marombe
Ndaiti pamwe pane achadzoka kumba osimudza mukombe
Vana takuita kunge nherera ivo baba namai varipo
Takutogeza tisina kana sipo
Vabereki vangu pachihure vane chipo ndaizoita sei imi tenzi musipo
Ndinoshuwira kuti dai vana vaipihwa muripo
Chorus
Ndozvakatoitika zvakavharana zviriko
Apachisina zvekuita zvakaendwa zviriko
Tangosara nekuchema nemarwadzo asi takadzidza kuti zviriko
Ndikaudza mufundisi vanongoti nyarara mwanangu zviriko
Denga rinokunyaradza mwanangu zviriko
Bridge
Zviriko yeah
Zviriko
Apachisina zvekuita
Takangozviudza kuti zviriko
Outro
Gee gee G9
Comments
No comments yet.